Mwanasikana anoendeswa kuchikoro nebhara ari kutsvagirwawo rubatsiro rwe wheelchair

Munyori Ruvimbo Ngwetedza

Murairidzi wepa chikoro che Chimedza primary chiri ku Sana District mu Zaka, Gloria Bundo arikukumbirawo kune vangakwanise kubatsira mwana waanodzidzisa anonzi Mufaro Mushonga anemakore gumi nerimwe ekuberekwa (11 years of age) uyezve arikuita dzidzo yetanhatu (grade 6), kuti awanirwewo chifambiso sezvo achiperekedzwa kuchikoro nebhara na ambuya vake avo vakwegura chose (uses a wheelbarrow to go to school).

Achitaura nemutori wenhau webepa rino re NTU News Zimbabwe, Bundo anoti “Mufaro mwana wandinodzidzisa anoshandisa wheelchair asi yakaparara, matayi acho asakara yakanga yava kutsika nemasimbi (rims) haichaiti kufambisa.

“Parizvino arikuwuya kuchikoro nebhara achipushiwa na ambuya vake vakura uyezve havana kwavanowana mari yekutenga wheelchair iyi (her grandmother always accompanied her to school everyday using a wheelbarrow because her wheelchair tyres bursted, beyond repair and it is now using rims. At the same time her grandmother is too old and is financially unstable).”

Mufaro uyo ane akazvarwa mugore ra 2010 anogara kwa Ndanga Village pamwe chete na ambuya vake gogo Mashonga.

Vangade kuvabetserawo ne wheelchair batai murairidzi wake Gloria Bundo parunhare urwu 0776673812 kana kuti 0779890360.

Share iNdaba Zabantu

Leave a Reply

Your email address will not be published.

css.php
Translate »