Tatenda Kuzhe: Muimbi we Zim Dancehall anogara mumusha we Chitungwiza akaburitsa video yekambo kanonzi Vhuka

By Anesu Angeline Madziro

Muimbi wechidiki achiri kusumuka munyaya dzemumhanzi anonzi Tatenda Kunze uyo anozivikanwa nezita rokuimba rokuti Tee Shaddie kana kuti ZimBadBwoi aburitsa video ye song yake inonzi vhuka.

Achitaura nemutori wenhau webepa rino re NTU News Zimbabwe, Kunze anoti “vhuka izita rinoshandiswa mu Africa kunyanya nyika ye South Africa zvichireva kuti muka (wake up in english).”

Kuzhe uyo ane makore makumi maviri nemanomwe ekubereka (27 years of age) anoti zvinoreva mumhanzi wake pane mashoko echenjedzo kuti vanhu vasarare pakunoyedza asi kuti vagone kufambidzana nenguva.

“Mashoko aripa rwiyo urwu ndekudzidzisa vanhu kuti hope hadzina ndima panobuda zuva newe mukawo, kurara uchirota nguva dzose hakuna pundutso saka muka muka, vhuka vhuka (the message carried in the song simply is a reminder to people that when the sun rise you also have to, sleeping and dreaming does not pay, so wake up wake up).”

Achitsanangura matangiro akaita kuimba anoti chipo chakapfumbatiswa pakuberekwa kwake, “kuimba chipo chandisingakwanisi kutsanangura kuti chakatanga see sezvo ndakazvarwa zviri mandiri, zvakazongobuda nekukomba mumuviri sezvo zvasimba muropa zvega zvakangondivava kuti imba,” anodero achirondedzera.

Anoti iye “andisati ndave ne album hangu asi ndirikutarisira kumaburitsa panguva yatatarisana nayo, asi nziyo dzinobuda dziri dzimwe chete ndava nedzinodarika makumi mana nemubatanidzwa wemimhanzi mitatu na Lesley Christwish Mukuruva uyo anozivikanwa nokuti Latrix pakambo kanonzi We The Baddiest, imwe na Justice Munemo anozikanwa nekuti Usherman kozouya iyoyi Vhuka na Violet. (l do not have albums yet and am planning to do some in the near future, but l have more than 40 and 3 collaborations Lesley Christwish Mukuruwa popularly known as Latrix on a song We the Baddiest, another one with Justice Munemo popularly known as Usherman as well as this 2021 production Vhuka with Violet).”

Achipa maonero ake panyaya dzematambudziko dzinosanganidzana  nevaimbi vanosumukira vechidiki, Tatenda Kuzhe uyo anogara mu Zengeza 5 Rockview kudunhu reChitungwiza anoti hakuna dambudziko nezvimhingaidzo zviri kumunetsa pakusumuka kwake asi anotenda kuti nguva yaMwari haisati yafanira yekuti asvike panofanira kuva munyaya dzemumhanzi, uye anotiwo ane dzidzo yaari kuwana yakasimba murwendo rwekuimba iyo yanoti inomusimbisa.

Akazvarirwa nekukurira mumusha we Kuwadzana kubva kuzvarwa kwake mugore ra 1994 kusvika 2010. Mashoko ake kune varikusumukira mune zvemumhanzi anoti iye, “kumirira mukuimba kwakanaka uye nguva yaMwari inokwana, ikakwana ahupere nekuti denga rinenge razarura.

“Uyezve ngatisiye kutora zvinodhaka pamumhanzi nekuti zvinokuvadza mashoko anotakurwa nemimhanzi yedu anozoenda kuvabereki, hama neshamwari.”

44
Share iNdaba Zabantu

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

css.php
Translate »