Sydney Kwirira muimbi arikusumuka arikutarisira kuburitsa nhapitapi kupera kwemwedzi uno

Munyori Pavel Mwaonesi

Muimbi wechidiki anobva mumusha we Chitungwiza Sydney Kwirirai uyo anozivikanwa mune zvemumhanzi nezita rekuti Syda Fire arikutarisira kuburitsa mumhanzi waarikuti uchange uchikanganisa njere dzevazhinji nekunakirwa zvakasimba kupera kweiwo mwedzi watiri.

Achitaura nepepa nhau rino re NTU News Zimbabwe anoti “kupera kwemwedzi uno ndikuronga kubuditsa mubatanidzwa wenziyo imwe chete imwe chete yatinoti singles collection in mutakunanzva.

“Ndinodero nekuti takabika tichiyisa misambo yakasiyana siyana saka ndinoti kuvanhu vanondifarira nekunditevera nevasati vambonzwa mimhanzi yangu garai makagadzirira kupera kwema sports.”

Kwirirai akatanga zvemumhanzi kubva pahudiki hwake. “Ndakangozvarwa zviri mandiri zvekuimba izvi, sekuru vangu vakashaya Martin Moshiwa ndivo vaiti kana vauya ku Harare vaiwuya vachiita zvema….,” anotsanangura.

Achitaura mashandiro ake parizvino nerwendo rwake mumumhanzi, Kwirirai uyo ane makore makumi maviri nemanonwe (27 years) ekuberekwa akakurira mumusha we Chitungwiza anoti iye, ” far parizvino mumashandiro andinoita handina album tongobuditsa nziyo imwe chete imwe chete.”

Sydney Kwirirai anoti iye chinhu chakaomesesa kuva muimbi achiri kutanga unenge uyine matambudziko akawanda kutanga nekutoshaiwa mari yacho yekunopinda munobikwa mimhanzi nehunyanzvi (it’s hard to be an upcoming musician because of many challenges including having no money to record in recommendable popular studios).

“Imwe nyaya kunze kweyekushaiwa mari yekuita basa remhando yepamusoro ndeye kushambadza basa rako, zvakaoma kuti ukwanise kukwezva vanhu kuti vanyatsokupe nguva yavo kana vasinga kuzive (apart from not having money to record in well known and established studios, the other issue is on marketing, it is very hard to convince people to give their time to your music when you are not known),” anotsanangura.

Mashoko ake kune vari kusumukira munyaya  dzemimhanzi Kwirirai anoti iye vasazombofa vakakanda mapfumo pasi, varambe vachishanda kunyanya pazvinonzi zvava kuomesa hapachina tarisiro ndipo pazvinenge zvavakuda kuita (on his words to upcoming artistes, Kwirirai said they should never give up especially when things look hopeless usually brighter days would be in store).

Kwirirai and mimhanzi yemubatanidzwa nevamwe vaimbi kusanganisira (collaborations with) muzvare Silca Paket uyo anozivikanwa nekuti Silpac ari mhiri kwemakungwa nyika ye United Kingdom, Tawanda Mandirahwe anozivikanwa zvikuru nekuti Destiny Riddim King na Klarry Dee vose vanobva musha we Chitungwiza, pavamwe vaimbi. Pamavhidhiyo akaita inonzi Ghetto Anthem iyo inobuda pa ZTV, Handingazvigone uyezve Chamba.

Share iNdaba Zabantu

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

css.php
Translate »